Angelah Nothando Mlotshwa
Bazi reDzidzo yePuraimari neSekondari rinoti kunyange hazvo zvikoro zvakapihwa mvumo yekugadzira pamwe nekutengesa mayunifomu, havabvumirwe kumanikidza kana kurayira vabereki kuti vatenge mayunifomu kubva kuzvikoro kana kune vanovatengesera.
Izvo zvaonekwa mushure mukunge zvikoro zvava kumanikidza vabereki kutenga mayunifomu kwavari nekurambidza kuti vasatenge kumwe kungave kwavanoziva kunemitengo yakaderera.
Muna Kurume, mutevedzeri weGurukota reDzidzo yePuraimari neSekondari, VaEdgar Moyo, vakazivisa ruzhinji kuti hazvisi pamutemo kuti zvikoro zvimanikidze vabereki kana vachengeti kutenga mayunifomu kwavari.
Kakawanda, mitengo yemayunifonu irikuyenzaniswa nemitengo yemusika mutema.
Izvi zvakaitika mushure mekunyunyuta kweruzhinji kuti zvimwe zvikoro zviri kusungira vabereki kutenga mayunifomu kubva kuchikoro kana kune vamwe vavo.
ZIM GBC NEWS yataura nevabereki panyaya iyi, ivo vakapa miono yavo yakasiyana,
“Hurumende haisi kuziva nezviri kuitika muzvikoro. Aya mazwi asina basa temu yega yega. Asi chokwadi tinotova nevakuru vehurumende vari kutengesa maunifomu aya ekumanikidza vabereki muzvikoro vachidyidzana nevakuru vezvikoro. Yambiro huru dzezvikoro hadzina maturo uye hadzina zvadzinoreva.” Akataura Takavafira Zhou.
Umwe wevakabvunzwa ne ZIM GBC NEWS akaratidza kufarira nyaya iyi nekuti vabereki vanenge vogona kutarisira mitengo yakasiyana.
“Zvakanaka nekuti zvikoro zvinodhurisa maunifomu, tese tinozviziva, kutenga kubva kenedzimwe nzvimbo kwakanaka nekuti unogona kusarudza nekutarisa mitengo yakasiyanasiyana.” akataura Hilda Ncube.
“Muono wangu ndinoti hongu chikoro hachifanirwe kumanikidza vabereki kutenga kwavari nekuti dzimwe nguva zvikoro zvinodhura saka ndinoti zvirinani kuti vabereki vazvitengere kwavanowana mitengo inoenderana nemari yavo. ” akadaro Patricia Ncube.
“Idanho rakanaka, rinobatsira munhu wese munharaunda.” akadaro Claude Phuti semubereki zvakare semumiriri weBulawayo Progressive Residents Association.
Svondo rino ibata wabata nekuti zvikoro zvakuvhurwa nevabereki vava kutengera vana vechikiro mayunifomu.